Job 37

1“Hana yangu inorova nokuda kwezvizvi,
uye mwoyo wangu unotomuka uchibva panzvimbo yawo.
2Teererai! Teererai kutinhira kwenzwi rake,
nokuunga kunobva pamuromo wake.
3Anoregedzera mheni yake pasi pedenga rose,
agoituma kumigumo yenyika.
4Shure kwaizvozvo inzwi rokutinhira kwake rinosvika;
anotinhira nenzwi roumambo hwake.
5Inzwi raMwari rinotinhira nenzira dzinoshamisa;
iye anoita zvinhu zvikuru zvinopfuura kunzwisisa kwedu.
6Anoti kuchando, ‘Donhera panyika,’
nokumvura inonaya, ‘Naya nesimba.’
7Kuitira kuti vanhu vose vaakasika vazive basa rake,
anoita kuti munhu mumwe nomumwe ambomira kushanda.
8Mhuka dzinovanda;
dzinoramba dziri mumapako adzo.
9Dutu rinobuda pakamuri yaro,
chando chinobva pakuvhuvhuta kwemhepo.
10Kufema kwaMwari kunobudisa mazaya echando,
uye mvura zhinji inooma kuita chando.
11Anozadza makore nounyoro;
anoparadzira mheni yake nomumakore.
12Anoafambisa sezvaanoda pamusoro penyika yose,
kuti aite zvose zvaanoarayira.
13Anouyisa makore kuzoranga vanhu,
kana kuzodiridza nyika yake kuti aratidze rudo rwake.

14“Teerera izvi, Jobho;
imbomira ugorangarira zvishamiso zvaMwari.
15Unoziva here kudzorwa kwamakore naMwari
nokupenyesa kwaanoita mheni yake?
16Unoziva maturikirwo akaitwa makore here,
izvo zvishamiso zvaiye akakwana muruzivo?
17Iyewe unopiswa nenguo dzako
nyika painonyaradzwa nemhepo yezasi,
18ko, ungagona kubatana naye pakutatamura matenga here,
iwo akaoma kunge chionioni chendarira yakaumbwa.

19“Tiudze zvatingareva kwaari;
hatigoni kureva mhaka yedu nokuda kwerima redu.
20Ko, anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here?
Ko, pano munhu angakumbira kumedzwa here?
21Zvino hakuna munhu angatarira kuzuva,
nokuvhenekera kwaro riri mumatenga,
mushure mokunge mhepo yaachenesa.
22Anouya nokubwinya kunoyevedza achibva nokumusoro;
Mwari anouya nokubwinya kunotyisa.
23Wamasimba Ose haasvikiki kwaari uye anokudzwa nesimba;
mukururamisira uye nokururama kwake kukuru haadzvinyiriri.
24Naizvozvo, vanhu vanomutya,
ko, haana hanya navose vakachenjera pamwoyo here?”
Copyright information for SnaBDSC